Ecclesiastes 1:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikarwadza mŋoyo waŋgu kutȿaka nokunɀera noʋucenjeri ɀose ɀinoitwa pasi peɗeŋga; iɓasa rinotambudza rakapiwa ʋanakomana ʋaʋanhu naMŋari, kuti ʋaɀitambudze naro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazvipira kunyatsotsvaga nokuongorora noungwaru zvose zvinoitika pasi pedenga. Aiwaiwa! Mutoro wacho wakapiwa vanhu naMwari kuti vatakure haufadzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikarwadza mwoyo wangu kutsvaka nokunzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga; ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu vaMwari, kuti vazvitambudze naro.
Shona 2009?
Ndika­rwadza moyo wangu kutsvaka noku­nzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga; ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu vaMwari, kuti va­zvitambudze naro.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikarwadza mwoyo wangu kutsvaka nokunzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga; ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu vaMwari, kuti vazvitambudze naro.