Ecclesiastes 1:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakataurirana nomŋoyo waŋgu, ndiciti: Tarira ndaɀiwanira ʋucenjeri ʋukuru, kukunda ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema; ɀirokwaɀo mŋoyo waŋgu wakaʋona ʋucenjeri ʋuzhinji neziʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakambozvifunga zvangu mumwoyo ndichiti, “Ini ndakawana ungwaru hunokunda vamwe vose vakanditangira kuva vatongi veJerusaremu. Zvakanyatsondipindawo mumwoyo kuti chinonzi ungwaru chii uye kuti chinonzi ruzivo chii.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakataurirana nomwoyo wangu, ndichiti, “Tarira ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusaremu; zvirokwazvo mwoyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo.”
Shona 2009?
Ndakataurirana nomoyo wangu, ndichiti, "Tarira ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusaremu;zvirokwazvo moyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo."
Shona SUB 2002 Bible
Ndakataurirana nomwoyo wangu, ndichiti, “Tarira ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusaremu; zvirokwazvo mwoyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo.”