Ecclesiastes 1:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ndakati ndicirwadza mŋoyo waŋgu kuti ndiziʋe ʋucenjeri neziʋo, noʋupeŋgo noʋupenzi, ndikaʋona kuti naiɀoɀo ʋo ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazvipira kwazvo kuti ndizive kuti chinonzi ungwaru chii uyewo kuti chinonzi upenzi chii. Ndakaonawo ikoku kuri kungodzingirirana zvako nemhepo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ndakati ndichirwadza mwoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nezivo, noupengo noupenzi, ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Shona 2009?
Asi ndakati ndichirwadza moyo wangu kuti ndizive uchenjeri nezivo, noupengo noupenzi, ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Shona SUB 2002 Bible
Asi ndakati ndichirwadza mwoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nezivo, noupengo noupenzi, ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo bedzi.