Ecclesiastes 11:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Fara hako, iwe jaya, paʋuɗuku bgako, mŋoyo wako ŋgaukufadze pamazuʋa oʋujaya bgako; famba nenzira dzomŋoyo wako, napakuʋona kwameso ako; asi uziʋe kuti Mŋari ucazokutoŋga pamsoro paiɀoɀo ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Fara zvako jaya, pauduku hwako, uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva ouduku hwako. Tevera nzira dzomwoyo wako, nezvose zvingaonekwe nameso ako, asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi Mwari achakusvitsa pakutongwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iwe wechiduku fara pamazuva ako ohuduku mwoyo wako ngaufare pamazuva ako ohuduku ita zvinoda mwoyo wako uye zvaunofunga asi ziva kuti pana izvozvi zvose Mwari achakutonga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, mwoyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomwoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.
Shona 2009?
Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, moyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.
Shona SUB 2002 Bible
Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, mwoyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomwoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.