Ecclesiastes 2:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀose ɀakaɗikanwa nameso aŋgu handinakuanyima iɀoɀo; handina‐kutoŋgodzora mŋoyo waŋgu pamufaro upi noupi; nokuti mŋoyo waŋgu wakaŋga ucifara nokuɓata kwaŋgu kwose; ndiwo wakaŋga uri mugoʋe waŋgu wakabva pakuɓata kwaŋgu kwose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Handina kuzvirambidza zvinhu zvaidiwa nameso angu, handina kurambidza mwoyo wangu mufaro. Mwoyo wangu wakafadzwa nebasa rangu rose, uye uyu ndiwo wakava mubayiro wokushanda kwangu kwose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chainge chadiwa nemeso angu handina kuzvirambidza. Chaidawo mwoyo wangu chokuzvifadza handaizvirambidza. Ndainzwa mwoyo kufara nebasa rangu rose. Ndiwo waivawo mubayiro wangu webasa rangu rose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvose zvakadikanwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora mwoyo wangu pamufaro upi noupi; nokuti mwoyo wangu wakanga uchifara nokubata kwangu kwose; ndiwo wakanga uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kwose.
Shona 2009?
Zvose zvakadikamwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora moyo wangu pamufaro upi noupi; nokuti moyo wangu wakanga uchifara nokubata kwangu kose; ndiwo wakanga uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvose zvakadikanwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora mwoyo wangu pamufaro upi noupi; nokuti mwoyo wangu wakanga uchifara nokubata kwangu kwose; ndiwo wakanga uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kwose.