Ecclesiastes 2:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakacerekedza maɓasa ose akaŋga aitwa namaʋoko aŋgu, nokuɓata kwose kwandakatamburakuɓata‐tarira ɀose ɀakaŋga ɀisinamaturo, kwaiʋa kudziŋgana nemhepo ɓedzi, kwakaŋga kusinecinhu cinoɓatsira pasi pezuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi pandakaongorora mabasa ose akanga aitwa namaoko angu uye zvandakatambudzikira kuti ndiwane, zvose zvakanga zvisina maturo, kwaingova kudzingana nemhepo; hapana chaibatsira pasi pezuva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndazoti rangarirei basa rose ramaoko angu nokushingaira kwandakaita pariri, ndakaona zvose zvisinganzwisisiki uye kuri kudzingirirana nemhepo uye kuti hapana chaunowana munhu pasi pedenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kwose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva.
Shona 2009?
Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakacherechedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kwose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva.