Ecclesiastes 2:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakati mumŋoyo maŋgu: Seɀinoitirwa ɓenzi, ndiɀo ɀandicaitirwa neni ʋo; ko ini ndaiʋa wakacenjera nei! Ndikati mumŋoyo maŋgu, iɀi ɀose haɀinamaturo ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Magumo ebenzi achandiwanawo neni. Chii zvino chandinowana pakuva munhu akachenjera?” Ndakati mumwoyo mangu, “Izviwo hazvina maturo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazviti nechomumwoyo, “Chinowira benzi chinondiwanawo zvino chandakafiririrawo zvangu kuva mungwaru chii ipapa.” Ndakazvifunga mumwoyo ndikati, “Kunyange izvozvi hazvinzwisisiki.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndakati mumwoyo mangu, “Sezvinoitirwa benzi, ndizvo zvandichaitirwa neniwo; ko ini ndaiva wakachenjera nei! Ndikati mumwoyo mangu, izvi zvose hazvina maturowo.”
Shona 2009?
Ipapo ndakati mumoyo mangu, "Sezvinoitirwa benzi, ndizvo zvandichaitirwa neniwo; ko ini ndaiva wakachenjera nei! Ndikati mumoyo mangu, izvi zvose hazvina maturowo."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndakati mumwoyo mangu, “Sezvinoitirwa benzi, ndizvo zvandichaitirwa neniwo; ko ini ndaiva wakachenjera nei! Ndikati mumwoyo mangu, izvi zvose hazvina maturowo.”