Ecclesiastes 2:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ndakaʋeŋga ʋupenyu, nokuti ɓasa rinoitwa pasi pezuʋa rakandinzwisa shuŋgu; nokuti ɀose haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandirwadza kwazvo. Zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo ndakavenga upenyu nokuti zvinoitwa pasi pedenga zvakandiipira. Chiripo ndechokuti zvose hazvinzwisisiki uye kunongova kudzingirira mhepo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandinzwisa shungu; nokuti zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Shona 2009?
Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandinzwisa shungu; nokuti zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Shona SUB 2002 Bible
Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandinzwisa shungu; nokuti zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.