Ecclesiastes 2:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndiani uŋgaziʋa kana iye acaʋa wakacenjera kana ɓenzi? Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaʋa nesimba pamsoro pokuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata, neɀandakaita noʋucenjeri pasi peɗeŋga. Naiɀoɀo ʋo hazinamaturo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye ndiani angaziva kana achizova akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pebasa rose randakatamburira nesimba nounyanzvi hwangu pasi pezuva. Izviwo hazvina maturo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiani angazive kuti anenge ari mungwaru here kana kuti benzi? Asi iye achave muridzi wezvinhu zvose zvandakashanda ndichishandisa ungwaru hwangu pasi pedenga. Izvozviwo hazvinzwisisiki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndiani angaziva kana iye achava akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo.
Shona 2009?
Zvino ndiani angaziva kana iye achava akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pokubata kwangu kose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndiani angaziva kana iye achava akachenjera kana benzi? Kunyangwe zvakadaro achava nesimba pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo.