Ecclesiastes 2:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti munhu uri’ko wakaɓata noʋucenjeri neziʋo noʋumhizha; kunyaŋge ɀakaɗaro unofanira kuɀisiyira mumŋe, uʋe mugoʋe wake, usinakutoŋgoɀitamburira. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, cinhu cakaipa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti munhu angaite basa rake nouchenjeri, noruzivo uye nounyanzvi, zvino ipapo ozofanira kusiya zvose zvaanazvo kuno mumwe asina kuzvishandira. Naizvozviwo hazvina maturo uye chinhu chakaipa kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti dzimwe nguva munhu anenge ashanda noungwaru noruzivo uye noumhizha anofanira kusiya zvose zvokuzofadza zvazvo munhu asina kuzvishandira. Izvozvi hazvinzwisisiki uye zvakaipa kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti munhu ariko akabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyange zvakadaro anofanira kuzvisiyira mumwe, uve mugove wake, asinakutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa kwazvo.
Shona 2009?
Nokuti munhu ariko akabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyange zvakadaro anofanira kuzvisiyira mumwe, uve mugove wake,asina kutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti munhu ariko akabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyangwe zvakadaro anofanira kuzvisiyira mumwe, uve mugove wake, asina kutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa kwazvo.