Ecclesiastes 2:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunecinhu cinopfuʋura ici, kuti munhu adye, anwe, afadze mŋeya wake neɀakanaka pakati pokuɓata kwake. Ndakaʋona kuti naiɀoɀi ɀinobva kuruʋoko rwaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu haana chaangaita chinopfuura kudya nokunwa kuti awane kugutswa pakushanda kwake. Naizvozviwo, ndinoona kuti zvinobva muruoko rwaMwari,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hapana chakanaka kumunhu pane kudya zvake nokunwa nokuzvifadza nezvaanenge ashandira. Izvi ndakazvionawo kuti chipo chinobva muruoko rwaMwari;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari.
Shona 2009?
Hakune chinhu chinopfuura ichi,kuti munhu adye amwe afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Hakuna chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari.