Ecclesiastes 3:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cinhu cimŋe necimŋe wakaciita cakanaka paŋguʋa yaco; wakaisa ʋo ɀisiŋgaperi mumŋoyo maʋo, kunyaŋge ɀakaɗaro munhu haaŋgagoni kunzwisisa ɀakaɓatwa naMŋari kubva pakutaŋga kuȿikira pakupedzisira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaita kuti zvinhu zvose zvive nenguva yazvo yakafanirana nazvo, uye akaisa muvanhu pfungwa yenguva isina mugumo. Asi munhu asingakwanise kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubvira pakutanga kusvika pamugumo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chinhu chimwe nechimwe akachiita chakanaka panguva yacho; akaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.
Shona 2009?
Chinhu chimwe nechimwe akachiita chakanaka panguva yacho; akaisawo zvisingaperi mumoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.
Shona SUB 2002 Bible
Chinhu chimwe nechimwe akachiita chakanaka panguva yacho; akaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo, kunyangwe zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.