Ecclesiastes 3:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakati mumŋoyo maŋgu: Mŋari ndiye ucatoŋga wakarurama nowakaipa; nokuti ŋguʋa iri’po yeshoko rimŋe nerimŋe neɓasa rimŋe nerimŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Mwari achatonga vose vakarurama nevakaipa, nokuti pachava nenguva yebasa rimwe nerimwe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazviti nechomumwoyo, “Mwari achatonga vakarurama navakaipa nokuti akatemera chinhu chimwe nechimwe nguva yacho uye nguva yebasa roga roga.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakati mumwoyo mwangu, “Mwari ndiye achatonga akarurama nowakaipa; nokuti nguva iripo yeshoko rimwe nerimwe nebasa rimwe nerimwe.”
Shona 2009?
Ndakati mumoyo mangu, "Mwari ndiye achatonga akarurama nowakaipa, nokuti nguva iripo yeshoko rimwe nerimwe nebasa rimwe nerimwe."
Shona SUB 2002 Bible
Ndakati mumwoyo mwangu, “Mwari ndiye achatonga akarurama nowakaipa; nokuti nguva iripo yeshoko rimwe nerimwe nebasa rimwe nerimwe.”