Ecclesiastes 3:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ndakaʋona kuti hakunecinhu cinopfuʋura ici, kuti munhu afarire maɓasa ake, nokuti ndiwo mugoʋe wake; nokuti ndiani ucamudzosa ɀe kuti aʋone ɀicamuteʋera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndakaona kuti hapana chingapfuure ichi, kuti munhu afadzwe nebasa rake, nokuti uyu ndiwo mugove wake. Nokuti ndiani achazomudzosazve kuti aone zvichazoitika shure kwake?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokusaka ndakaona kuti hapana chakanaka kumunhu panekufadzwa nebasa rake nokuti ndiwo mugove wake. Hapana angagone kuita kuti aone zvichazoitika kwaari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka ndakaona kuti hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu afarire mabasa ake, nokuti ndiwo mugove wake; nokuti ndiani achamudzosazve kuti aone zvichamutevera.
Shona 2009?
Saka ndakaona kuti hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu afarire mabasa ake, nokuti ndiwo mugove wake; nokuti ndiani achamudzosazve kuti aone zvichamutevera.
Shona SUB 2002 Bible
Saka ndakaona kuti hakuna chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu afarire mabasa ake, nokuti ndiwo mugove wake; nokuti ndiani achamudzosazve kuti aone zvichamutevera.