Ecclesiastes 4:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakadzoka ɀe, ndikaʋona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuʋa; tarira, kwakaŋga kunemisodzi yaʋanomanikidzwa, ʋacishaiwa munyaradzi; ʋamanikidzi ʋaʋo ndiʋo ʋakaŋga ʋanesimba, asi iʋo ʋakashaiwa munyaradzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakatarirazve ndikaona udzvinyiriri hwose hwaiitika pasi pezuva: Ndakaona misodzi yavanodzvinyirirwa, uye havana munyaradzi; simba raiva kudivi ravadzvinyiriri vavo, uye havana munyaradzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyewo ndakazorangarirazve ndikaona kudzvinyirira kunoitwa pasi pedenga. Panoti misodzi yokudzvinyirirwa kunoitwa vanhu vasina anovanyaradza, vanodzvinyirira vamwe zvakaipa ndivo vane masimba vasina anovanyaradza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishaiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashaiwa munyaradzi.
Shona 2009?
Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishaiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashaiwa munyaradzi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishaiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashaiwa munyaradzi.