Ecclesiastes 4:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasiŋgaʋereŋgwi, iʋo ʋose ʋakaŋga ʋakaɓatwa naye; kunyaŋge ɀakaɗaro, ʋanozoteʋera haʋaŋgamufariri. Ɀirokwaɀo, naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakanga vasingaverengeki vanhu vose vaaitonga. Asi vakazouya pashure havana kufadzwa neakange achitonga panzvimbo yamambo. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
achitungamirira vanhu vasingaverengeki kuwanda. Zvakadaro zvazvo vaizotevera mushure make havana kumufarira. Izvi hazvina maturo uye kunongova kudzingirira mhepo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vose vakanga vasingaverengwi, ivo vose vakanga vakabatwa naye; kunyange zvakadaro, vanozotevera havangamufariri. Zvirokwazvo, naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Shona 2009?
Vanhu vose vakanga vasingaverengwi, ivo vose vakanga vakabatwa naye; kunyange zvakadaro, vanozotevera havangamufariri. Zvirokwazvo, naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vose vakanga vasingaverengwi, ivo vose vakanga vakabatwa naye; kunyangwe zvakadaro, vanozotevera havangamufariri. Zvirokwazvo, naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.