Ecclesiastes 4:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumŋe uri’ko unoŋgogara ari oga, asinawecipiri; ɀirokwaɀo, haanomŋanakomana kana munuŋuna, kunyaŋge ɀakaɗaro kuɓata kwake hakunomugumo, ʋuye meso ake haaguti nefuma. Unoti: Ɀino ndinoɓatira ani, ndicinyima mŋeya waŋgu ɀinhu ɀakanaka? Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ɀirokwaɀo ndiko kutambudzika kukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwaiva nomunhu aigara ari oga; akanga asina mwanakomana, kana munun'una. Kushanda kwake kwakanga kusina magumo, kunyange zvakadaro meso ake haana kugutswa nepfuma yake. Akabvunza akati, “Ndinotambudzikira aniko, uye sei ndichizvinyima mafaro?” Naizvozviwo hazvina maturo, basa rokutambura!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pangave nomunhu anongova oga, asina mwana kana munun'una asi asingazorore kushingaira nebasa maziso ake asingambogutsikani noupfumi hwake hwose nokuti haambozvibvunza kuti, “Ko wandiri kutamburira kudai ndiani ndichizvishaisa mufaro zvangu.” Izvozviwo izvi hazvinzwisisiki uye ibasa risina chinofadza mariri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mumwe ariko anongogara ari oga, asina mumwe wake; zvirokwazvo, haana mwanakomana kana munun'una, kunyange zvakadaro kubata kwake hakuna mugumo, uye meso ake haaguti nepfuma. Anoti, “Zvino ndinobatira ani, ndichinyima mwoyo wangu zvinhu zvakanaka?” Naizvozvowo hazvina maturo, zvirokwazvo ndiko kutambudzika kukuru.
Shona 2009?
Mumwe ariko anongogara ari oga, asina mumwe wake; zvirokwazvo, haana mwanakomana kana munun'una, kunyange zvakadaro kubata kwake hakuna mugumo, uye meso ake haaguti nefuma. Anoti, "Zvino ndinobatira ani, ndichinyima moyo wangu zvinhu zvakanaka?" Naizvozvowo hazvina maturo, zvirokwazvo ndiko kutambudzika kukuru.
Shona SUB 2002 Bible
Mumwe ariko anongogara ari oga, asina mumwe wake; zvirokwazvo, haana mwanakomana kana munun'una, kunyangwe zvakadaro kubata kwake hakuna mugumo, uye meso ake haaguti nepfuma. Anoti, “Zvino ndinobatira ani, ndichinyima mwoyo wangu zvinhu zvakanaka?” Naizvozvowo hazvina maturo, zvirokwazvo ndiko kutambudzika kukuru.