Ecclesiastes 5:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu mumŋe nomumŋe ʋo, wakapiwa naMŋari fuma neɀakawanda, akapiwa ʋo simba kuti aɀidye, nokutora mugoʋe wake, nokufarira ɀaakaɓatira — ico cipo cinobva kunaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pezvo, Mwari paanopa munhu upi zvake mari nezvinhu, uye achiita kuti akwanise kuti afadzwe nazvo kuti agamuchire mugove wake uye kuti afadzwe nebasa rake, ichi chipo chinobva kuna Mwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ichiwo chipo chaMwari chokuti munhu wose anopiwa upfumi nepfuma nesimba rokugona kufadzwa nazvo, agone kugamuchira mugove wake nokuwanawo rufaro runobva mubasa raanoshingairira kuita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munhu mumwe nomumwewo, akapiwa naMwari pfuma nezvakawanda, akapiwawo simba kuti azvidye, nokutora icho chipo chinobva kuna Mwari.
Shona 2009?
Munhu mumwe nomumwewo, akapiwa naMwari fuma nezvakawanda, akapiwawo simba kuti azvidye nokutora icho chipo chinobva kuna Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
Munhu mumwe nomumwewo, akapiwa naMwari pfuma nezvakawanda, akapiwawo simba kuti azvidye, nokutora icho chipo chinobva kuna Mwari.