Ecclesiastes 5:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumŋa waMŋari: Yakaŋga iri mhosho; Mŋari ucatsamŋireiko inzwi rako, akaparadza ɓasa ramaʋoko ako?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usaregera muromo wako uchikutungamirira mukutadza. Uye usapikisa mutumwa wetemberi uchiti, “Ndakakanganisa pakupika.” Mwari achatsamwireiko pamusoro pezvaunotaura, uye agoparadza basa ramaoko ako?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rega kuti murumo wako ukutungamirire kutadzira Mwari, uye usati kumutumwa kwaingova zvako kukanganisa. Seiko uchida kuti Mwari ashatirwe nezvaunotaura achizoparadza basa ramaoko ako?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumwa waMwari, “Yakanga iri mhosho; Mwari achatsamwireiko izwi rako, akaparadza basa ramaoko ako?”
Shona 2009?
Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumwa waMwari, Yakanga iri mhosho; Mwari achatsamwireiko inzwi rako,akaparadza basa ramaoko ako?"
Shona SUB 2002 Bible
Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumwa waMwari, “Yakanga iri mhosho; Mwari achatsamwireiko izwi rako, akaparadza basa ramaoko ako?”