Ecclesiastes 5:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana uciʋona murombo acimanikidzwa, nokururamisa nokururama ɀicibviswa nesimba panyika, usashamiswa naɀo; nokuti mukuru kuʋakuru ʋose unocerekedza; ʋamŋe ʋari’ko ʋakuru kwaʋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana ukaona murombo achidzvinyirirwa mudunhu uye achinyimwa kururamisirwa nekodzero, usashamiswa nezvinhu zvakadai; nokuti mumwe mukuru anotarirwa nomumwe ari pamusoro pake, uye pamusoro pavo vose pane vamwe vakavakurirawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana ukaona mudunhu varombo vachidzvinyirirwa, uye ruenzaniso nokururama zvakandwa pasi ngazvirege kukushamisa nokuti mukuru-mukuru anoongororwa nomukuru kwaari uye kuna vamwe vakuruwo pamusoro pavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana uchiona murombo achimanikidzwa, nokururamisa nokururama zvichibviswa nesimba panyika, usashamiswa nazvo; nokuti mukuru kuvakuru vose anocherekedza; vamwe variko vakuru kwavari.
Shona 2009?
Kana uchiona murombo achimanikidzwa, nokururamisa nokururama zvichibviswa nesimba panyika, usashamiswa nazvo; nokuti mukuru kuvakuru vose anocherekedza; vamwe variko vakuru kwavari.
Shona SUB 2002 Bible
Kana uchiona murombo achimanikidzwa, noruenaniso nokururama zvichibviswa nesimba panyika, usashamiswa nazvo; nokuti mukuru kuvakuru vose anocherechedza; vamwe variko vakuru kwavari.