Ecclesiastes 6:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndiani unoziʋa ɀakafanira munhu paʋupenyu bgake, iwo mazuʋa ose oʋupenyu bgake ʋusinamaturo, bgaanorarama somumvuri? Nokuti ndiani uŋgaʋudza munhu ɀicazomuteʋera pasi pezuʋa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ndiani angaziva zvakanakira munhu muupenyu, pamazuva mashoma uye asina maturo anopfuura somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvinozomutevera mushure mokunge iye aenda?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiani angazive zvinganakire munhu paupenyu hwake hupfupi husina pahwo hunopfuura somumvuri. Ndiani angakwanise kutaurira munhu zvichazoitika mushure pasi pedenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndiani anoziva zvakafanira munhu paupenyu hwake, iwo mazuva ose oupenyu hwake husina maturo, anorarama somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvichazomutevera pasi pezuva?
Shona 2009?
Nokuti ndiani anoziva zvakafanira munhu paupenyu hwake, iwo mazuva ose oupenyu hwake husina maturo, anorarama somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvichazomutevera pasi pezuva?
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndiani anoziva zvakafanira munhu paupenyu hwake, iwo mazuva ose oupenyu hwake husina maturo, anorarama somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvichazomutevera pasi pezuva?