Ecclesiastes 6:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu akaɓereka ʋana ʋanezana, akararama makore mazhinji, mazuʋa amakore ake akaʋa mazhinji, asi mŋeya wake usiŋgagutswi neɀakanaka, ʋuye ɀe akasaʋigwa ɀakanaka, ndinoti mŋana wakaɓerekwa ŋguʋa isati yaȿika unopfuʋura iye;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu angava navana zana agorarama makore akawanda, asi hazvinei kuti ararama nguva yakareba sei, kana akasafara nezvaanowana uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana aberekwa ari gavamwedzi ari nani pana iye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu anogona kuva nevana zana agogara makore mazhinji zvokuti anova namakore mazhinji iye asingawani rufaro mune zvinhu zvakanaka zvoupenyu uye asingavigwe kana azofa. Ini ndinoti mwana aberekwa nguva yake yokuberekwa isati yasvika ari nani kupinda iye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu akabereka vana vane zana, akararama makore mazhinji, mazuva amakore ake akava mazhinji, asi mweya wake asingagutswi nezvakanaka, uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana wakaberekwa nguva isati yasvika anopfuura iye;
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible