Ecclesiastes 7:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋucenjeri citaʋiridzo, mari ʋo citaʋiridzo; asi kunakisa kweziʋo ndiko, kuti ʋucenjeri ʋunoceŋgeta ʋupenyu bgaiye unabgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uchenjeri hunodzivirira sokudzivirira kunoita mari, asi kunakisa kworuzivo ndokuku: kuti uchenjeri hunochengetedza upenyu hwomunhu anahwo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sokuchengetedza munhu kunoita mari ndizvozvowo zvinoita ungwaru kuchengetedza munhu uye chakanakira ruzivo ndechichi chokuti ungwaru hunochengetedza upenyu hwomunhu anahwo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo, asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta hupenyu hwaiye anahwo.
Shona 2009?
Nokuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo, asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta hupenyu hwaiye anahwo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti uchenjeri nemari zvinhu aginopa kudzivirira, asi kunakisa kwezivo ndiko kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye anahwo.