Ecclesiastes 7:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirinani kuenda kuimba yokucema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo waʋanhu ʋose; munhu mupenyu ucaɀiraŋgarira pamŋoyo pake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pano kuenda kuimba yamabiko, nokuti rufu ndiwo mugumo womunhu wose; vapenyu ngavazviise izvi pamwoyo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zviri nani kuenda kuimba iri kuchemwa rufu pano kuenda kuimba yemafaro. Nokuti rufu ndiwo maperero omunhu wose. Vapenyu vanofanira kuzvichengeta mumwoyo izvozvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamwoyo pake.
Shona 2009?
Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamoyo pake.
Shona SUB 2002 Bible
Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamwoyo pake.