Ecclesiastes 7:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikawana cinhu cinoʋaʋa kukunda rufu, ndiye mukadzi uri musuŋgo, mŋoyo wake ari mambure, namaʋoko ake ɀisuŋgo; aninani unofadza Mŋari, ucapukunyuka kwaari; asi mutadzi ucaɓatwa naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakawana chinhu chinovava kupfuura rufu, mukadzi anova musungo, mwoyo wake uri hunza uye maoko ake ari ngetani. Munhu anofadza Mwari achapunyuka kwaari, asi mutadzi achabatwa naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakaona kuti munhukadzi anorwadza kupinda rufu anongova misungo yoga yoga, mumwoyo wake mimbure chaiyo maoko ake zvikachikiro chaizvo. Munhu akarurama pana Mwari anomupunyuka asi mutadzi anokachikirwa naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikawana chinhu chinovava kukunda rufu, ndiye mukadzi ari musungo, mwoyo wake ari mambure, namaoko ake zvisungo; Ani naani anofadza Mwari, achapukunyuka kwaari; asi mutadzi achabatwa naye.
Shona 2009?
Ndikawana chinhu chinovava kukunda rufu, ndiye mukadzi ari musungo, moyo wake ari mambure, namaoko ake zvisungo; Ani naani anofadza Mwari, achapukunyuka kwaari; asi mutadzi achabatwa naye.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikawana chinhu chinovava kukunda rufu, ndiye mukadzi ari musungo, mwoyo wake ari mambure, namaoko ake zvisungo; Ani naani anofadza Mwari, achapukunyuka kwaari; asi mutadzi achabatwa naye.