Ecclesiastes 7:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kuseka kweɓenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sokuputika kweminzwa pasi pehari, ndizvo zvakaita kuseka kwamapenzi. Naizvozviwo hazvina maturo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubwabwatika kunoita minzwa pasi pebhodho, ndozvakangoitawo kuseka kwamapenzi izvozvowo hazvinzwisisiki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo.
Shona 2009?
Nokuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kwemhinzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo.