Ecclesiastes 8:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiani wakafanana nomunhu wakacenjera? Ndiani unoziʋa kuɗudzira cinhu? Ʋucenjeri bgomunhu ʋunobginyisa ciso cake; hasha dzeciso cake dzinoshandurwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva tsananguro yezvinhu? Uchenjeri hunobwinyisa chiso chomunhu uye hunoshandura kuomarara kwechiso.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiani angaenzaniswe nomungwaru. Ndianizve angazive kutsanangura zvinhu. Ungwaru hunopenyesa uso hwomunhu huchipa munhu uso hwakasununguka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa.
Shona 2009?
Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa.