Ecclesiastes 8:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge mutadzi akaita ɀakaipa runezana, akaʋa namazuʋa mazhinji, kunyaŋge ɀakaɗaro ndinoziʋa ɀirokwaɀo kuti ʋanotya Mŋari, ʋanotya pamberi pake, ʋacagara ɀakanaka;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange munhu akaipa akapara mhosva dzinosvika zana agorarama nguva refu, ndinoziva kuti zvichava nani kuna vanhu vanotya Mwari, avo vanokudza Mwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutadzi anogona zvake kuita zvakaipa kazana agove noupenyu urefu asi chandinoziva ndechokuti, “Vanotya Mwari ndovachanakirwa nezvinhu pamusana pokumutya kwavanoita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka;
Shona 2009?
Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka;
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyangwe zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka;