Ecclesiastes 8:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cinhu cisinamaturo ciri’po, cinoitwa panyika, ndico kuti ʋakarurama ʋari’ko ʋanoitirwa seɀinoitirwa maɓasa aʋakaipa, ʋuye ɀe ʋakaipa ʋari’ko ʋanoitirwa seɀinoitirwa maɓasa aʋakarurama; ndikati: Naiɀoɀi haɀinamaturo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pane chimwezve chinhu chisina maturo chinoitika panyika: Vanhu vakarurama vanoitirwa zvakafanira kuitirwa vakaipa, uye vanhu vakaipa vanowana zvakafanira kuwanikwa navakarurama. Naizvozviwo ndinoti hazvina maturo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pane zvimwe zvisinganzwisisiki zvinoitika panyika zvokuti kune varurami vanowirwa nezvinowira vakaipa kwouyawo vaipi vanowana mubayiro unowanikwa navakarurama. Ndakati izviwo hazvinzwisisiki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, “Naizvozvi hazvina maturo.”
Shona 2009?
Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, "Naizvozvi hazvina maturo."
Shona SUB 2002 Bible
Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, “Naizvozvi hazvina maturo.”