Ecclesiastes 8:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haanecinhu cinopfuʋura ici, kuti adye, anwe, afare; kuti iɀoɀo ɀigare naye pakuɓata kwake mazuʋa ose oʋupenyu bgake, bgaakapiwa naMŋari pasi pezuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndinokurudzira vanhu kuti vafadzwe noupenyu, nokuti hapana chinhu chiri nani kumunhu pasi pezuva kupfuura kudya nokunwa nokufara. Ipapo mufaro uchamutevera mubasa rake mazuva ose oupenyu hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka ini ndinokurudzira kufara nokuti munhu haana chimwe chinhu pasi pedenga kusiya kudya nokunwa nokufara nokuti izvi ndizvo zvinobva mukushingaira kwake nebasa mumazuva ake oupenyu aakapiwa naMwari pasi pedenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, anwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose ohupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.
Shona 2009?
Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, amwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose ohupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, anwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose oupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.