Ecclesiastes 8:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakati ndiciraŋgarira nomŋoyo waŋgu kuti ndiziʋe ʋucenjeri nokuʋona kuɓata kunoitwa panyika (nokuti ʋamŋe ʋari’ko ʋasiŋgaʋoni hope nameso aʋo masikati noʋusiku),
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pandakaisa pfungwa dzangu kuti ndizive uchenjeri nokuongorora mabasa omunhu panyika, maziso ake asingawani hope usiku namasikati,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pandakazvipira mwoyo kuti ndizive ungwaru uye kuti ndione basa riri kuitwa panyika ungatotadza kukotsira nazvo siku nesikati.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakati ndichirangarira nomwoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nokuona kubata kunoitwa panyika (nokuti vamwe variko vasingaoni hope nameso avo masikati nohusiku),
Shona 2009?
Zvino ndakati ndichirangarira nomoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nokuona kubata kunoitwa panyika (nokuti vamwe variko vasingaoni hope nameso avo masikati novusiku),
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakati ndichirangarira nomwoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nokuona kubata kunoitwa panyika (nokuti vamwe variko vasingaoni hope nameso avo masikati nousiku),