Ecclesiastes 8:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndikaʋona maɓasa ose aMŋari, kuti munhu haaŋganzwisisi maɓasa ose anoitwa pasi pezuʋa; nokuti kunyaŋge munhu akatambura hake kuti aɀinɀere, haaŋgaɀinzwisisi hake; ɀirokwaɀo, kunyaŋge munhu, wakacenjera, aciti, ndinoɀiziʋa, kunyaŋge ɀakaɗaro, haaŋgagoni kuɀinzwisisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo ndakaona zvose zvakaitwa naMwari. Hapana munhu angazvinzwisisa zvinoitika pasi pezuva. Hazvinei kuti munhu anoedza sei kuzvitsvaka, munhu haangagoni kuziva zvazvinoreva. Kunyange munhu akachenjera akati anozviziva haangakwanisi kunyatsozvinzwisisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakaona kuti pamabasa ose aMwari, munhu haangakwanise kuziva basa rinoitwa pasi pedenga. Hazvina mhosva kuti munhu angashingaire sei kuzvitsvaka, haambozviwana. Kunyange mungwaru angati anozviziva haambokwanisa kuzviwana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nokuti kunyange munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haanganzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyange munhu, akachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyange zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa.
Shona 2009?
ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nokuti kunyange munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haanganzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyange munhu, akachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyange zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa.
Shona SUB 2002 Bible
ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nokuti kunyangwe munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haanganzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyangwe munhu, akachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyangwe zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa.