Ecclesiastes 8:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iɀoɀi ɀose ndakaɀiʋona, ndikaraŋgarira nomŋoyo waŋgu maɓasa ose anoitwa pasi pezuʋa, paŋguʋa kana mumŋe munhu anesimba pamsoro pomumŋe, acimuitira ɀakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvose izvi ndakazviona, pandakaisa pfungwa dzangu pane zvose zvinoitwa pasi pezuva. Pane nguva yokuti mumwe munhu anenge ane simba pamusoro pavamwe, asi achizvikuvadza pachake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvose izvozvi ndakazviongorora ndichirangarira zvose zvinoitwa pasi pezuva, munhu achiremedza vamwe asi zvichizomupfukira iye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomwoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.
Shona 2009?
Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomwoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.