Ecclesiastes 9:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti iɀoɀo ɀose ndakaɀiraŋgarira nomŋoyo waŋgu, kuti ndinzwisise iɀoɀi ɀose, kuti ʋakarurama naʋakacenjera ʋari paruʋoko rwaMŋari, pamŋe cete namaɓasa aʋo; kana kuri kuɗa kana kuʋeŋga, munhu haaɀiziʋi; ɀose ɀiri mberi kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokudaro ndakafunga pamusoro pezvose izvi uye ndikapedzisira nokuti vakarurama navakachenjera, nezvavanoita zviri mumaoko aMwari, asi hakuna munhu anoziva kuti rudo here kana ruvengo zvakamumirira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvi zvose ndakazviongorora mumwoyo mangu ndichinyatsozviongorora ndikazviona kuti zviito zvavakarurama navangwaru zviri mumaoko aMwari, zvingave rudo kana ruvengo munhu haangazvizivi. Kwatiri vanhu zvose zvinenge zvisinganzwisisiki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti izvozvo zvose ndakazvirangarira nomwoyo wangu, kuti ndinzwisise izvozvi zvose, kuti vakarurama navakachenjera vari paruoko rwaMwari, pamwechete namabasa avo; kana kuri kuda kana kuvenga, munhu haazvizivi; zvose zviri mberi kwazvo.
Shona 2009?
Nokuti izvozvo zvose ndakazvira ngarira nomoyo wangu, kuti ndinzwisise izvozvi zvose, kuti vakarurama navakachenjera vari paruoko rwaMwari, pamwechete namabasa avo; kana kuri kuda kana kuvenga, munhu haazvizivi; zvose zviri mberi kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti izvozvo zvose ndakazvirangarira nomwoyo wangu, kuti ndinzwisise izvozvi zvose, kuti vakarurama navakachenjera vari paruoko rwaMwari, pamwechete namabasa avo; kana kuri kuda kana kuvenga, munhu haazvizivi; zvose zviri mberi kwazvo.