Ecclesiastes 9:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀose ɀinowana ruʋoko rwako, kuti ruɀiite, uɀiite nesimba rako rose; nokuti hakuneɓasa, kana zano, kana ziʋo, kana ʋucenjeri paSheori kwaunoenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvose zvinowanikwa noruoko rwako kuti ruzviite, zviite nesimba rako rose, nokuti muguva, mauri kuenda, hamuna kushanda kana kuronga, kana ruzivo kana uchenjeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chaunenge wagona kuita namaoko ako chiite nesimba rako rose nokuti kunzvimbo yavafi kwauri kuenda hakuna basa kana pfungwa kana ruzivo kana ungwaru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.
Shona 2009?
Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.
Shona SUB 2002 Bible
Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.