Ecclesiastes 9:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti nomunhu ʋo haaziʋi ŋguʋa yake; sehoʋe, dzinoɓatwa murutaʋa rwakaipa, kana shiri, dzinoɓatwa murugombe, saiɀoɀo ʋanakomana ʋaʋanhu ʋanoteyiwa neŋguʋa yakaipa, kana yaʋawira kamŋe‐kamŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pezvo hakuna munhu anoziva nguva yake painosvika: Sehove dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri dzinobatwa murugombe, saizvozvowo vanhu vanobatwa nenguva dzakaipa dzinovawira vasingatarisire.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu haazivi nguva yake. Sezvinoitwa hove dzinobatwa mumumbure wakaipa uye seshiri dzinobatwa parugombe ndizvo zvine vanhu vanobatwa panguva yakaipa pazvinongoerekana zvavawira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe; saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe-kamwe.
Shona 2009?
Nokuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe; saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe-kamwe.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe; saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe–kamwe.