Ecclesiastes 9:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀose ɀinoenzanisirwa ʋose; cinhu cimŋe cinoitirwa wakarurama nowakaipa, wakanaka nowakacena nounetȿina, unoɓayira nousiŋgaɓayiri, wakanaka nomutadzi, unopika nounotya kupika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vose vane mugumo wakafanana, akarurama neakaipa, akanaka nomutadzi, akachena neakasviba, avo vanobayira zvibayiro neavo vasingabayiri. Sezvazvakaita nomunhu akanaka, ndizvozvowo nomutadzi; sezvazvakaita neavo vanoita mhiko, ndizvozvowo neavo vanotya kuita mhiko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti chinowira mumwe, ndicho chinowira vose, kungave kumururami kana kumuipi kuna vakanaka kana kuna vakaipa kuna vatsvene kana kuna vakan'ora kuna anopira chibayiro kana kuna asingapiri chibayiro. Zvakangofanana kumururami nokumutadzi. Anopika mhiko naasingapiki mhiko zvakangofanana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvose zvinoenzanisirwa vose; chinhu chimwe chinoitirwa akarurama noakaipa, akanaka noakachena noane tsvina, anobayira noasingabayiri, akanaka nomutadzi, anopika noanotya kupika.
Shona 2009?
Zvose zvinoenzanisirwa vose; chinhu chimwe chinoitirwa wakarurama nowakaipa, wakanaka nowakachena nowane tsvina, anobayira nowasingabayiri, akanaka nomutadzi, anopika nowanotya kupika.
Shona SUB 2002 Bible
Zvose zvinoenzanisirwa vose; chinhu chimwe chinoitirwa akarurama noakaipa, akanaka noakachena noane tsvina, anobayira noasingabayiri, akanaka nomutadzi, anopika noanotya kupika.