Ecclesiastes 9:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cinhu ici cakaipa pakati peɀose ɀinoitwa pasi pezuʋa, kuti cinhu cimŋe ciitirwe ʋose; ɀirokwaɀo ʋo, mŋoyo yaʋanakomana ʋaʋanhu izere neɀakaipa, ʋuye ʋupeŋgo ʋuri mumŋoyo yaʋo ʋaciri ʋapenyu; shure kwaiɀoɀo ʋanoenda kuʋakafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ichi ndicho chinhu chakaipa pane zvose zvinoitika pasi pezuva: Vose vane mugumo mumwe chete. Pamusoro pezvo, mwoyo yavanhu izere nezvakaipa uye mumwoyo yavo mune upenzi panguva yokurarama kwavo, uye shure kwaizvozvo vanobatana navakafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi ndozvakaipa pane zvose zvinoitika pasi pedenga zvokuti tinowirwa nenhamo imwecheteyo. Chimwezve ndechokuti mwoyo yavanhu izere nouipi. Kana vari vapenyu chete kupenga kurimo mumwoyo yavo, mushure macho vanoenda kuvafi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chinhu ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chinhu chimwe chiitirwe vose; zvirokwazvowo, mwoyo yavanakomana vavanhu izere nezvakaipa, uye upengo huri mumwoyo yavo vachiri vapenyu; shure kwaizvozvo vanoenda kuvakafa.
Shona 2009?
Chinhu ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chinhu chimwe chiitirwe vose; zvirokwazvowo, moyo yavanakomana vavanhu izere nezvakaipa, uye upengo huri mumoyo yavo vachiri vapenyu; shure kwaizvozvo vanoenda kuvakafa.
Shona SUB 2002 Bible
Chinhu ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chinhu chimwe chiitirwe vose; zvirokwazvowo, mwoyo yavanakomana vavanhu izere nezvakaipa, uye upengo huri mumwoyo yavo vachiri vapenyu; shure kwaizvozvo vanoenda kuvakafa.