Ephesians 1:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
munaiye, watakaitwa ʋo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokuraira kwaiye, unoita ɀose nokufuŋga kwokuɗa kwake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye watakasarudzwawo maari, tatemerwa kare nhaka maererano nokuronga kwaiye anoita zvose mukusimbisa vavariro yokuda kwake,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Maari, sokutemwa kwazvakaitwa muurongwa huri kushanda muna zvose, nokuti chakanga chiri chido chake,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
muna iye, watakaitwawo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokurayira kwaiye, anoita zvose nokufunga kwokuda kwake;
Shona 2009?
munaiye, watakaitwavo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokuraira kwaiye, unoita zvose nokufunga kokuda kwake;
Shona SUB 2002 Bible
muna iye, watakaitwawo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokurayira kwaiye, anoita zvose nokufunga kwokuda kwake;