Ephesians 1:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kumsoro‐soro kwaʋaɓati ʋose, noʋukuru, nesimba, noʋushe, namazita ose anorebga, pasati pari panyika ino ɓedzi, asi paneinozoʋuya ʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
pamusoro poutongi hwose noukuru, nesimba noushe, uye namazita ose angagona kurehwa, kwete panyika yazvino chete asiwo pane ichauya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kristu akaiswa pamusoro pavose zvavo vane ukuru ukuru, pamusoro pamadzishe navabati vezvigaro uye pamusoro pavane umambo, akapiwawo zita rinomukurumbira kupfuura mazita ose pasi pano nokudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kumusoro-soro kwamadzishe ose, noukuru, nesimba, noushe, namazita ose anorehwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi pane inozouyawo;
Shona 2009?
kumusoro-soro kwavabati vose, novukuru, nesimba, novushe, namazita ose anorebwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi paneinozovuyavo;
Shona SUB 2002 Bible
kumusoro–soro kwamadzishe ose, noukuru, nesimba, noushe, namazita ose anorehwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi pane inozouyawo;