Ephesians 2:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋataifamba tose pakati paʋo kare, mukuciʋa kwenyama yeɗu, ticiita kuɗa kwenyama nokwokufuŋga kweɗu, napakuɀarwa kweɗu isu naʋamŋe ʋose taiʋa ʋana ʋokutsamŋirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Isu tose taigara pakati pavo pane imwe nguva, tichikudza kuchiva kwenyama yedu yezvivi uye tichitevera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita vamwe vose, pakuzvarwa kwedu takanga tiri vana vokutsamwirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isuwo tose takambogarawo mukati mazvo tichitevera havi dzomuviri wedu, tichitevera zvinoda muviri nepfungwa dzedu. Naizvozvo takanga takazvarirwa shamhu sezvakanga zvangoitawo vanhu vose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, nopakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa.
Shona 2009?
vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokokufunga kwedu, napakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa.
Shona SUB 2002 Bible
vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, nopakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa.