Ephesians 2:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kunyaŋge takaŋga takafa mukuɗarika kweɗu, wakatiraramisa pamŋe cete naKristu (makaponeswa nenyasha);
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kunyange patanga takafa nokuda kokutadza kwedu, akatiita kuti tive vapenyu pamwe naKristu. Makaponeswa nenyasha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, akatiraramisa pamwechete naKristu makaponeswa nenyasha;
Shona 2009?
kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, wakatiraramisa pamwe chete naKristu (makaponeswa nenyasha;
Shona SUB 2002 Bible
kunyangwe takanga takafa mukudarika kwedu, akatiraramisa pamwechete naKristu makaponeswa nenyasha;