Ephesians 3:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti ɀino ʋaɓati naʋanesimba kuɗeŋga ʋaziʋiswe nekereke kucenjera kukuru kwaMŋari;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvaaida zvino ndezvokuti, kubudikidza nekereke, uchenjeri hwaMwari hukuru huziviswe kuvatongi navane simba vari muchadenga,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuitirawo kuti nomusangano, ungwaru hwaMwari hwakasiyana — siyana huratidzwe zvino kune mweya mikurukuru neino ushe yomumatenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti zvino madzishe navane simba kudenga vaziviswe nesungano kuchenjera kukuru kwaMwari;
Shona 2009?
kuti zvino vabati navanesimba kudenga vaziviswe nekereke kuchenjera kukuru kwaMwari;
Shona SUB 2002 Bible
kuti zvino madzishe navane simba kudenga vaziviswe nesungano kuchenjera kukuru kwaMwari;