Ephesians 3:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀokuti: Ʋahedeni ʋadyi ʋenhaka pamŋe cete nesu, nemitezo yomuʋiri pamŋe cete nesu, ʋakagoʋerwa ʋo pamŋe cete nesu cipikirwa munaKristu Jesu neEvaŋgeri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chakavanzika ichi ndechokuti, kubudikidza nevhangeri, vaHedheni vadyi venhaka pamwe chete navaIsraeri uye inhengo pamwe chete dzomuviri mumwe chete, vagovani pamwe chete muchivimbiso chiri muna Kristu Jesu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
zvokuti pamusana peShoko Rakanaka vechirudzi vavawo vagari venhaka navaJudha, uye vava nhengo dzomuviri mumwechete navo uyewo vanhu vanogoverana navo zvakapikirwa muna Kristu Jesu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvokuti: Vahedheni, vadyi venhaka pamwechete nesu, nemitezo yomuviri pamwechete nesu, vakagoverwawo pamwechete nesu chipikirwa muna Kristu Jesu neVhangeri;
Shona 2009?
Kuti Vahedheni vave vadyi venhaka pamwe chete nesu, nomuviri mumwe nesu vagovani vechipikirwa chake pamwe chete nesu muna Kristu neevhangeri
Shona SUB 2002 Bible
zvokuti: Vahedheni, vadyi venhaka pamwechete nesu, nemitezo yomuviri pamwechete nesu, vakagoverwawo pamwechete nesu chipikirwa muna Kristu Jesu neVhangeri;