Ephesians 4:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ndinoreʋa nokupupura cinhu ici munaShe, ndiciti, musaramba mucifamba saʋahedeni, ʋanofamba ʋo noʋupenzi bgokuraŋgarira kwaʋo,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndinokuudzai izvi, uye murambire pazviri muna She, kuti hamufaniri kuramba muchirarama savaHedheni, muupenzi hwendangariro dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino izvi ndizvo zvandinotaura ndichisimbisisa kwazvo muzita raTenzi kuti hamufaniri kunge muchagara savahedheni nepfungwa dzavo dzisina maturo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi muna Ishe, ndichiti, musaramba muchifamba savahedheni, vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo,
Shona 2009?
Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musafamba savamwe vahedheni, vanofambavo novupenzi bwokurangarira kwavo,
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi muna Ishe, ndichiti, musaramba muchifamba savahedheni, vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo,