Ephesians 4:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaɓa, ŋgaarege kuɓa ɀe; asi ɀirinani kuti atambudzike, aɓate namaʋoko ake ɓasa rakanaka, kuti aʋe necaaŋgapa unoshaiwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mbavha ngaachirega kuba ichiita basa kwaro namaoko ayo [rinoiraramisa] kuti ibatsire vasina chokubata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaba, ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike abate namaoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa anoshaiwa.
Shona 2009?
Wakaba, ngaarege kuba zve; asi zvirinani kuti atambudzike, abate namavoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa unoshaiwa.
Shona SUB 2002 Bible
Akaba, ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike abate namaoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa anoshaiwa.