Ephesians 5:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti aɀiisire pamberi pake kereke, inobginya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana cinhu cakaɗai; asi iʋe tȿene, isinemhosa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti aritsvitse kwaari rakanaka kwazvo risina kana kavara kana pakaunyana kana chimwe chakadaro kuti rive dzvene risina chinoshoreka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti azviisire pamberi pake sangano, rinobwinya, risina gwapa, kana kuonyana, kana chinhu chakadai; asi rive dzvene, risina mhosva.
Shona 2009?
kuti azviisire pamberi pake kereke, inobwinya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana chinhu chakadai; asi ive tsvene, isinemhosva.
Shona SUB 2002 Bible
kuti azviisire pamberi pake sangano, rinobwinya, risina gwapa, kana kuonyana, kana chinhu chakadai; asi rive dzvene, risina chipomerwa.