Ephesians 5:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saiɀoɀo ʋo ʋarume ʋanofanira kuɗa ʋakadzi ʋaʋo semiʋiri yaʋo. Unoɗa mukadzi wake, unoɀiɗa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo varume vanofanira kuda vadzimai vavo sokuda kwavanoita miviri yavo. Munhu anoda mudzimai wake ari kutozvida iye pachake
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Anoda mukadzi wake, anozvida;
Shona 2009?
Saizvozvovo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida;
Shona SUB 2002 Bible
Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Anoda mukadzi wake, anozvida;