Ephesians 5:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti hakunomunhu wakatoŋgoʋeŋga nyama yake; asi unoipa ɀokudya nokuiceŋgeta, Kristu seɀa anoitira kereke;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pana izvozvo zvose, hakuna munhu akatongovenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti hapana munhu anovenga muviri wake. Asi anotoupa chokudya nokunyatsouchengetedza sezvinoita Kristu kusangano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti hakuna munhu akatongovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira sangano;
Shona 2009?
nokuti hakuno munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira kereke;
Shona SUB 2002 Bible
nokuti hakuna munhu akatongovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira sangano;