Ephesians 5:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋupombge, netȿina yose, kana kuciʋa, ŋgaɀirege kurebga pakati penyu, seɀinofanira ʋatȿene;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sechinhu chinokodzerana navatsvene, pakati penyu hapafaniri kana kudomwa zvako upombwe nezvinhu zvose zvakaora kana makaro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;
Shona 2009?
Asi vupombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurebwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;
Shona SUB 2002 Bible
Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;